Isaiah 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musazoʋuya ɀe neɀipo ɀisinamaturo; ɀinonhuwira ɀinondinyaŋgadza; ŋguʋa dzokugara kwomŋedzi nedzamasaɓata, nedzokukokera ʋuŋgano, handiɀiɗi; ɀakaipa, kunyaŋge neʋuŋgano tȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiregai kunge muchauya nemipiro isina maturo rusenzi runondisemesa. Mazuva enyu okugara kweMwedzi namaSabata nemisangano yamunokokerana kukanyanisa ikoku, nokuti musangano mukuru wezvokunamata pamwechete nouipi, zvandifinha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
Shona 2009?
Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuhwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara komwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyangwe neungano tsvene.