Isaiah 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubvira parutsoka kuȿikira kumusoro hapanapakukutu pauri; asi maronda, napakakuʋara, namaʋaŋga matȿa; haanakuȿinwa, haana‐kuputirwa, kana kunyoroʋeswa namafuta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira pasi petsoka kusvikira pamusoro hapana papenyu, dzangova mbonje namavanga, angova maronda ari kubuda ropa asina kusvinwa kana kusungwa kana kupfaviswa zvako namafuta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoreveswa namafuta.
Shona 2009?
Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvimwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.
Shona SUB 2002 Bible
Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi maronda, napakakuvara, namavanga matsva, haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoreveswa namafuta.