Isaiah 10:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakati: Ndakaɀiita nesimba roruʋoko rwaŋgu, ʋuye noʋucenjeri bgaŋgu, nokuti ndinenjere; ndakabvisa miganho yaʋanhu, ndakapamba fuma yaʋo; semhare ndakawisira pasi ʋaigara paɀigaro ɀoʋushe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti iye anoti, “Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti, “Ini noruoko rwangu ndini pano ndakazviita ini nesimba rangu, ndakazviita ini noungwaru hwangu nokuti ndinonzwisisa. Miganhu yedzindudzi dzavanhu ndakaibvisa ini, ndikapamba upfumi hwavo. Sehandira chaiyo, vainge vari pazvigaro zvoumambo ndakavatozomora ini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akati, “Ndakazviita nesimba roruoko rwangu, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; ndakabvisa miganho yavanhu, ndakapamba pfuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe;
Shona 2009?
Nokuti akati, "Ndakazviita nesimba roruoko rwangu, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; ndakabvisa miganho yavanhu, ndakapamba fuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akati, “Ndakazviita nesimba roruoko rwangu, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; ndakabvisa miganhu yavanhu, ndakapamba pfuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe;