Isaiah 10:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kunyaŋge ʋanhu ʋenyu, imi Israeri, ʋakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ʋaʋo ʋoga ʋacadzoka; nokuti ʋakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kunyange zvazvo vanhu venyu vaIsiraeri vakawanda sejecha rokumahombekombe kwegungwa, chitsama chavo chete ndicho chichadzoka. Zvokuparadza izvi zvakatotemwa zviri chinhu chizere noururami,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kunyange vanhu venyu, imi Isiraeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo voga vachadzoka; nokuti vakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.
Shona 2009?
Nokuti kunyange vanhu venyu, imwi Isiraeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo voga vachadzoka; nokuti vakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kunyangwe vanhu venyu, imi Isiraeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo voga vachadzoka; nokuti vakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.