Isaiah 10:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaŋgokotama haʋo pakati paʋasuŋgwa, ʋacawira pasi pakati paʋakaʋurawa. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chenyu imi kunenge kwangova kuti undundu pakati pavasungwa kana kungoti rakata pakati pezvitunha. Nokuda kwaizvozvo hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurawa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona 2009?
Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurawa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona SUB 2002 Bible
Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurayiwa. Kunyangwe zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.