Isaiah 11:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucasimudzira marudzi mureza, nokuʋuŋganidza ʋadziŋgwa ʋaIsraeri, nokuʋuŋganidza ʋaJuda ʋakaparadzirwa kumatiʋi manna enyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achasimudzira marudzi avanhu chiratidzo achikokorodza vasemwi veIsiraeri agounganidza vanhu vokwaJudha vakamwarariswa kubva kumativi mana enyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza vaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
Shona 2009?
Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
Shona SUB 2002 Bible
Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa VaIsiraeri, nokuunganidza vaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.