Isaiah 11:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haɀiŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene, nokuti nyika yose icazara nokuziʋa Jehova, seɀinofukidza mvura pasi peguŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvizombokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose rinoera nokuti panyika pachange zvino pazara nokuziva Tenzi sokuzadza kunoita mvura gungwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
Shona 2009?
Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
Shona SUB 2002 Bible
Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.