Isaiah 13:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaroʋa nyika nokuɗa kwokushata kwayo, naʋakaipa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo; ndicagumisa manyawi aʋanoɀikudza, nokuwisira pasi kuɗaɗa kwaʋanotyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo, navakaipa nokuda kwezvivi zvavo. Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo, uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndicharangira nyika zvivi zvayo uye vatadzi uipi hwavo. Ndichapedza kuzvikudza kwose kwavanozvitutumadza, ndichitonhodza kuzvinyundumadza kwavasingakatare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
Shona 2009?
Ndicharova nyika nokuda kokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndicharova nyika nokuda kwokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.