Isaiah 14:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iwe warashwa kure nobgiro bgako, seɗaʋi rinonyaŋgadza, wafukidzwa naʋakaʋurawa, ʋakaɓayiwa nomunondo, ʋanoɓurukira kumabge egomba, somutumbu watsikwa netsoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako, kufanana nedavi rakaraswa; wakafukidzwa navakaurayiwa, naavo vakabayiwa nomunondo, avo vakadzika kumatombo egomba. Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi iwe warasirwa kunze, kure neguva rako sokusemwa kunoitwa kusvodza, wakomberedzwa navakaurayiwa, vaya vakabayiwa namapakatwa vanoenda mumatombo eGomba sechitunha chiri kutsikirirwa zvacho netsoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
Shona 2009?
Asi iwe waraswa kure nobwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iwe waraswa kure nohwiro hwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurayiwa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.