Isaiah 14:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi acaʋatora, nokuʋaisa kunɀimbo yaʋo; imba yaʋaIsraeri icaʋaɓata panyika yaJehova ʋaʋe ʋaranda naʋashandiri ʋaʋo; ʋacatapa iʋo ʋaiʋa ʋatapi ʋaʋo, ʋacaɓata iʋo ʋaiʋamanikidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
Shona 2009?
Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yaVaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.
Recommended Reading