Isaiah 14:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicariita nɀimbo inogarwa nenuŋgu, ʋuye madziʋa emvura; ndicaritȿaira nomutȿairo wokuparadza, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi nenyika yamachawi; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaiita kuti ive musha wenguruve dzomusango namadziva emvura ndichaitsvaira nomutsvairo wokuparadza ndizvo zviri kurehwa naTenzi wehondo nehondo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichariita nzvimbo inogarwa nenhungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
Shona 2009?
Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndichariita nzvimbo inogarwa nenhungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”