Isaiah 15:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Heshboni rinoɗanidzira, neEreari; inzwi raʋo rinonzwika kuȿikira paJahazi; saka ʋarwi ʋaMoabi ʋanoɗanidzira ɀikuru; mŋeya wake unoɗeɗera mukati make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta reHeshibhoni neEreare ari kuridza mhere, kuchema kwavo kuri kunzwika kunyange kuJahazi. Naizvozvo varwi vokuMoabhu vari kudandaura kuchema vapindwa nokudedera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; izwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
Shona 2009?
Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; inzwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
Shona SUB 2002 Bible
Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; izwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhu vanodanidzira zvikuru; mweya yavo unodedera mukati mavo.