Isaiah 15:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoyo waŋgu unoɗanidzira pamsoro paMoabi; ʋakuru ʋaʋo ʋanotizira Zoari, neEgrati‐sherishiya; nokuti ʋanokwira mukwidzwa waRuhiti ʋacicema; nokuti panzira inoenda Horonaimi ʋanocema nokucema kwokuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoranaimi vanochema kuparadzwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwoyo wangu unochema Moabhu, vanhu vayo vanotizira kuZoari, vanosvika kwose nokuEgiratisherishiya nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti iri mhere chete kuhwihwidza nokunzira yokuHoronaimu vari kuchema kuparadzwa kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.
Shona 2009?
moyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kokuparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhu; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.