Isaiah 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mvura yeNimrimi icaparadzwa; nokuti ʋuswa bgawoma, ɓumhudza rapera, hapacinacinomera citema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mvura yokuNimurimu yakapwa, uswa hwakaoma, bundo hapachisina, hapachisina kana chinyoro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
Shona 2009?
Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.