Isaiah 15:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kucema kwapotereka kunyika yose yaMoabi; kuwuŋgudza kwake kuȿikira paEgraimi, nokuwuŋgudza kwake kuȿikira paBeeri‐erimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kurira kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhere yavo iri kusvika kumiganhu yenyika yeMoabhu, kubongomora kwavo kuchisvika kuEgirami kuungudza kwavo kuchisvikawo kuBhierierimu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
Shona 2009?
Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhu; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.