Isaiah 16:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waiɓereka ɀakanaka; paminda yemizambiriŋga hapacazoʋi nokuimba kana inzwi romufaro; hapacazoʋi muȿiniri unoȿinira mazambiriŋga paɀiȿiniro; ndagumisa kupururudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvokupembera nokufara izvi zvabviswa mumunda unobereka. Muminda yamagirepisi hamuna rwiyo ruri kuimbwa kana mhururu dzinorira wokusvina waini, mokusvinira hapasisina huro dzepajakwara rokusvina dzachiti zii kunyarara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemidzambiringa hapachazovi nokuimba kana izwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira madzambiringa pazvisviniro; ndagumisa kupururudza.
Shona 2009?
Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana inzwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira mazambiringa pazvisviniro, ndagumisa kupururudza.
Shona SUB 2002 Bible
Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waibereka zvakanaka; paminda yemizambiringa hapachazovi nokuimba kana izwi romufaro; hapachazovi musviniri anosvinira madzambiringa pazvisviniro; ndagumisa kupururudza.