Isaiah 16:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti minda yeHeshboni yawoma, nomuzambiriŋga weSibma; madzishe amarudzi avuna mataʋi awo akanaka, akaŋga aciȿikira Jazeri, akaŋga atandira kurenje; mataʋi awo akaŋga atandaʋara, ayambukira guŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vamarudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yambosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti minda yokuHeshibhoni neminda yamagirepisi yokuSibhuma yosvava, madzishe edzindudzi akakwazhura mapazi ayo aisvika kana nokuJazeru achirasikira nokugwenga uko; nhungirwa dzacho dzichitandira uko nouko dzichitopfuura zvadzo napamusoro pegungwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomudzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
Shona 2009?
Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti minda yeHeshibhoni yaoma, nomuzambiringa weSibhima; madzishe amarudzi avhuna matavi awo akanaka, akanga achisvikira Jazeri, akanga atandira kurenje; matavi awo akanga atandavara, ayambukira gungwa.