Isaiah 17:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaŋganwa Mŋari Muponesi wako, hauna‐kuraŋgarira ɗombo roʋutiziro bgako. Saka unoɀisimira miti inofadza, unoisa’mo mizambiriŋga yakabva kumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako. Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa, uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti imi makakanganwa Mwari ruponeso rwenyu mukakanganwa dombo ramunopotera. Naizvozvo kunyange mukadyara mbesa dzakanaka kana kusima migirepisi yavamwari vokumwe
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo midzambiringa yakabva kumwe.
Shona 2009?
Nokuti wakangamwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira dombo routiziro hwako. Saka unozvisimira miti inofadza, unoisamo mizambiringa yakabva kumwe.