Isaiah 17:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi wokusima kwako, unouʋakira ruzhowa, fume maŋgwana unotumbusa mbeu dzako; asi kuceka kunotiza nezuʋa rokutambudzika nerokucema kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure, ugoita kuti ive namaruva, asi mukohwo uchava sapasina pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kunyange mukadziitisa kuti dzikure nezuva ramunodzidyara, muchidziitisa kuti dzitumbuke mangwanani ezuva ramunodzidyara zvokudzikohwa zvichakunzvengai ava mazuva enhamo nokurwara kusingarapiki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.
Shona 2009?
Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kukohwa kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi wokusima kwako, unouvakira ruzhowa, fume mangwana unotumbusa mbeu dzako; asi kucheka kunotiza nezuva rokutambudzika nerokuchema kukuru.