Isaiah 17:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋgatariri artari, iro ɓasa ramaʋoko aʋo; ɀakaitwa neminwe yaʋo haʋaŋgaʋi nehanya naɀo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havachazotarisi kuaritari, iro basa ramaoko avo, uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari dzezvinonhuwira dzakaitwa neminwe yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanenge vasisina hanya neatari dzavakavaka namaoko avo vasisatarise kune zvinhu zvakaitwa neminwe yavo, zvingave maAshera kana atari dzorusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
Shona 2009?
Havangatariri aritari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa nemimwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.
Shona SUB 2002 Bible
Havangatariri atari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.