Isaiah 17:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro maguta aʋo akasimba acaita samatoŋgo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri; acaʋa matoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro maguta avo akasimba achaita samatongo avaHivhi naavaAmori avakatiza pamusana pavaIsiraeri, achava renje.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
Shona 2009?
Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro yamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana vaIsraeri; achava matongo.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro maguta avo akasimba achaita samatongo kumatondo napamisoro pamakomo, akasiyiwa nokuda kwavana VaIsiraeri; achava matongo.