Isaiah 18:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo Jehova wehondo ucaʋigirwa ɀipo norudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, ʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi, kunɀimbo yezita raJehova wehondo, kugomo reZioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.
Shona 2009?
Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kose-kose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZiyoni.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose–kwose, rudzi rune simba, runotsika–tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.