Isaiah 19:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda eZoani mapenzi kwaɀo; mano amakota akaiȿo‐cenjera aFarao ashanduka ʋupenzi; munoreʋa seiko kunaFarao, muciti: Ndini mŋanakomana waʋakacenjera, mŋanakomana wamadzimambo akare?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda okuguta reZoani, mazipenzi chaiwo evanhu, ngwazi dzomakurukota aFarao dzinopa mazano asina nomusoro wose. Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti, “Ini ndiri mwanakomana wengwazi, mwanakomana wamadzimambo echinyakare?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi; munoreva seiko kuna Farao, muchiti, “Ndini mwanakomana wavakachenjera, mwanakomana wamadzimambo akare?”
Shona 2009?
Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi; munoreva seiko kuna Farao, muchiti, "Ndini mwanakomana wavakachenjera, mwanakomana wamadzimambo akare?"
Shona SUB 2002 Bible
Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi; munoreva seiko kuna Farao, muchiti, “Ndini mwanakomana wavakachenjera, mwanakomana wamadzimambo akare?”