Isaiah 19:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika yaJuda icaʋa cityiso ceEgipita; mumŋe nomumŋe unoɀiʋudzwa ucatya nokuɗa kwomutemo waJehova wehondo, waakatema pamsoro paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyika yaJudha ichava chityiso cheIjipiti; mumwe nomumwe anozviudzwa achatya nokuda kwomutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.
Shona 2009?
Nyika yaJudha ichava chityiso cheIjipiti; mumwe nomumwe anozviudzwa achatya nokuda komutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nyika yaJudha ichava chityiso cheIjipiti; mumwe nomumwe anozviudzwa achatya nokuda kwomutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.