Isaiah 19:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya weEgipita ucapera mukati mawo; ndicaparadza kufuŋga kwawo; ʋacandobvunza ɀifananidzo, naʋanamazaŋgo, naʋaʋuki neŋaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIjipiti vacharasiswa mwoyo, ndichavhiringidza mazano avo. Ivo ndopavachaenda kundobvunzira kuzvifananidzo zvokunamata, nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya weIjipiti uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navanamazango, navauki nen'anga.
Shona 2009?
Mweya weIjipiti uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navanamazango, navauki nen'anga.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya weIjipiti uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navanamazango, navauki nen'anga.