Isaiah 2:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋacapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvu, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vachapinda mumapako ematombo nomuninga dzepasi apa vachihwanda kutyisa kwaTenzi nokuhwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Shona 2009?
Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vachapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvhu, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.