Isaiah 2:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti vapinde mumapako amatombo nomumitswe yamazitombo vohwanda kutyisa kwaTenzi vachihwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Shona 2009?
vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kokubwinya koumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.
Shona SUB 2002 Bible
vapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwoumambo hwake, kana achisimuka kuzunungusa nyika nesimba.