Isaiah 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye achatonga pakati pendudzi nokupedzera marudzi mazhinji gakava. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
Shona 2009?
Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita miromo yegejo, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.