Isaiah 2:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti imi Jehova makasiya ʋanhu ʋenyu ʋeimba yaJakobo, nokuti ʋazere ne tsika dzinobva mabvazuʋa, ʋanoʋuka saʋaFiristia, ʋanoɓatana maʋoko naʋana ʋaʋatorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti imi makaramba vanhu venyu, imba yaJakobho pamusana pokuti mavari muzere vashoperi vokumabvazuva nevanofembera namaminimini sevaFirisitia uye vanotorovana zvavo maoko nevechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
Shona 2009?
Nokuti imwi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti imi Jehovha makasiya vanhu venyu veimba yaJakobho, nokuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanobatana maoko navana vavatorwa.