Isaiah 20:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yeguŋgwa ʋacati nezuʋa iro: Tarirai, ndiɀo ɀaita ciʋimbo ceɗu, kwataitizira ticitȿaka kurwirwa kunamambo weAsiria; ko isu ɀino ticapukunyuka sei?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro, vanhu vaigara pamhenderekedzo ino vachati, ‘Tarirai zvaitika kuna vaya vataivimba navo, vaya vataitizira kwavari kuti vatibatsire uye vatinunure kubva kuna mambo weAsiria! Zvino isu tichapunyuka sei?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vagari venyika yomumahombekombe megungwa muno, pazuva iroro vachati, ‘Tarisai muone zvaitika kuvanhu vaya vataivimba navo, kuvanhu vaye kwataitizira kundobatsirwa kuti tinunurwe mumaoko mamambo weAsiria! Zvino isu tingapapunyuke sei ipapa?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, ‘Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?’ ”
Shona 2009?
"Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, `Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?' "
Shona SUB 2002 Bible
“Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro, ‘Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?’ ”