Isaiah 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti heɀi ɀandakaʋudzwa naJehova: Gore risati rapera, samakore omunhu unoɓatira muɓairo, mbiri yose yaKedari icapera;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha kwandiri, “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Tenzi akanditi, “Gore risati rapera sezvakangoita makore amarikicho mbiri yose yokwaKedhari ichapera kuti hwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, “Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
Shona 2009?
Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, "Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubayiro, mbiri yose yeKedhari ichapera.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha, “Gore risati rapera, samakore omunhu anobatira mubairo, mbiri yose yeKedhari ichapera.