Isaiah 21:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ɀiʋuno ɀaŋgu ɀizere nokurwadziwa; ndaɓatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavunduswa, saka handigoni kuʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo chiuno changu chakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndarwadziwa kwazvo zvokuti muchiuno mangu, handichagona. Ndabatwa ini namarwadzo samarwadzo omukadzi ari kusununguka. Ndakotamiswa zvokuti handichanzwa, ndatopazamiswa nazvo zvokuti handichaona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona.
Shona 2009?
Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa komukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona,
Shona SUB 2002 Bible
Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosununguka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhunduswa, saka handigoni kuona.