Isaiah 22:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova wehondo wakaɀiziʋisa munzeʋe dzaŋgu, akati: Ɀirokwaɀo, hamuŋgakaŋganwirwi ɀakaipa iɀi, kuȿikira pakufa kwenyu, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi wehondo nehondo pachake akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti, “Havambofa vakaregererwa uipi ihwohwu vanofa vakadaro,” ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Mwari wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, “Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, "Zvirokwazvo, hamungakangamwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu," ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha wehondo wakazvizivisa munzeve dzangu, akati, “Zvirokwazvo, hamungakanganwirwi zvakaipa izvi, kusvikira pakufa kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.