Isaiah 22:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Enda kumuceŋgeti uyu wefuma, kunaShebna, unotarira imba yamambo, uti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose, “Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, “Enda kumuchengeti uyu wepfuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
Shona 2009?
Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, "Enda kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naShe, Jehovha wehondo, “Enda kumuchengeti uyu wepfuma, kuna Shebhina, unotarira imba yamambo, uti,