Isaiah 22:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo ucakupomba‐pomba, ndokukukandira sehuruŋguɗo munyika yakapamhamha; ndi’po paucafira, ndi’po pacaʋa neŋgoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achakupomba-pomba sebhora agokukanda munyika yakakura. Ndimo mauchafira, uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo, iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
Shona 2009?
"Zvirokwazvo achakupomba-pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvirokwazvo achakupomba–pomba, ndokukukandira sehurungudo munyika yakapamhamha; ndipo pauchafira, ndipo pachava nengoro dzembiri yako, iwe munyadzi weimba yatenzi wako.