Isaiah 22:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rineɓope, musha unomufaro; ʋakaʋurawa ʋako haʋana‐kuʋurawa nomunondo, haʋana‐kufira pakurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iyewe uzere mheremhere guta rebongozozo guta ramafaro? Vako vakaurayiwa, havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa kana kufira muhondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.
Shona 2009?
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha unomufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nomunondo, havana kufira pakurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Haiwa, iwe, uzere nokupururudza, guta rine bope, musha uno mufaro; vakaurayiwa vako havana kuurayiwa nomunondo, havana kufira pakurwa.