Isaiah 22:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, mbambo yakaŋga yaroʋerwa pakasimba, icabva; icatemŋa, ndokuwira pasi; nomutoro wakaŋga wakaturikwa pairi, ucatemŋa; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.”
Shona 2009?
Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo."
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.”