Isaiah 22:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndakati: Regai kunditarira, ndinoɗa kucema kwaɀo; musaramba muciidza kundinyaradza pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ini ndati, “Ndifuratirei zvenyu ndicheme zvangu misodzi yeropa. Regai kuzvinetsa nokundinyaradza pamusana pokuparara kwomukunda wevanhu vokwangu, Jerusaremu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndakati, “Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.”
Shona 2009?
Naizvozvo ndakati, "Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa komukunda wavanhu vangu."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndakati, “Regai kunditarira, ndinoda kuchema kwazvo; musaramba muchiedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.”