Isaiah 23:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai nyika yaʋaKardea; rudzi urwo haruci’po; ʋaAsiria ʋakaiita nyika yeɀikara ɀerenje; ʋakamisa shoŋgwe dzaʋo, ʋakawisa dzimba dzoʋushe dzaiʋa’mo; ʋakaiita ɗoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chitarisai muone nyika iya haisiri Asiria havasiri vaAsiria asi kuti vanhu ava vechiKaridhea ndivo vakakanzera Tire kuti rive guta remhuka dzesango vakavaka nharire dzokurikomba nadzo vakaparadza mizinda yaro vakariita kuti rive dongo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo; vakaiita dongo.
Shona 2009?
Tarirai nyika yavaKaradhea; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo, vakaiita dongo.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai nyika yavaKaradhia; rudzi urwo haruchipo; vaAsiria vakaiita nyika yezvikara zverenje; vakamisa shongwe dzavo, vakawisa dzimba dzoushe dzaivamo; vakaiita dongo.