Isaiah 23:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyara, iwe Sidoni, nokuti guŋgwa rataura, nenhare yeguŋgwa, riciti: Handina‐kurwadziwa, handina‐kuɓereka, handina‐kurera majaya, kana kukurisa mhandara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyarawo kani iwe Sidhoni nokuti hwenje hwegungwa hwati handina kumborwadzwa kana kumbosununguka munhu. Handina majaya andakarera kana mhandara dzandakayarutsa ini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, “Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.”
Shona 2009?
Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, "Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara."
Shona SUB 2002 Bible
Nyara, iwe Sidhoni, nokuti gungwa rataura, nenhare yegungwa, richiti, “Handina kurwadziwa, handina kubereka, handina kurera majaya, kana kukurisa mhandara.”