Isaiah 24:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kucema kunonzwika panzira dzomumusha nokuɗa kwewaini; mufaro wose waȿiɓa, kufara kwenyika kwaenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rave jemedzanwa mumigwagwa, pamusana pokushaya waini mafaro ose asvika kumapeto kwawo, rufaro rwapanyika rwarambidzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuchema kunonzwika panzira dzomumusha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
Shona 2009?
Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
Shona SUB 2002 Bible
Kuchema kunonzwika panzira dzomumusha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.