Isaiah 24:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, unotiza ɓope rokutyisa, ucawira mugomba; unokwira acibva mukati megomba, ucaɓatwa nomusuŋgo; nokuti mawindi okumsoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinoɗeɗera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa, achawira mugomba; ani naani anokwira achibuda mugomba achabatwa mumusungo. Nokuti mawindo okudenga azaruka, uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anotiza maungira anotyisa achawira muhunza, anenge ati regai ndibude muhunza imomo anobva anzi kachi nomusungo nokuti mawindho edenga akazaruka nougaro hwenyika huri kundengendeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mawindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
Shona 2009?
Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nokuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.