Isaiah 24:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika inocema nokuwoma, pasi pose panopera simba nokuwoma, ʋanhu ʋakakudzwa ʋenyika ʋanopera simba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyika iri kuoma uye iri kuunyana, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
Shona 2009?
Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
Shona SUB 2002 Bible
Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.