Isaiah 24:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋganwi waini ʋaciimba; ɀinoɓata ɀicaʋaʋa kunaʋanoɀinwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvokunwa waini vachiimba zvachiti nho-o, hwahwa, kune avo vanohunwa, hwava kuvava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havanganwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvinwa.
Shona 2009?
Havangamwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvimwa.
Shona SUB 2002 Bible
Havanganwi waini vachiimba; zvinodhaka zvichavava kuna vanozvinwa.