Isaiah 25:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti imi maiʋa nhare yaʋarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, ʋutiziro paŋguʋa yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuʋa, kana mhepo yaʋanotyisa iciita semvura zhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Manga muri utiziro hwavarombo, utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake, uye dumba panguva yemvura zhinji nomumvuri pakupisa kwezuva. Nokuti kuremedzeka kwavano utsinye kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndimi diziro ravarombo, botero ravanhu vasina chavanacho, dumba rokuhwanda dutu nomumvuri wokuhwanda zuva nokuti kufemuruka kwemunhu ane utsinye kunenge dutu riri kurovera kurusvingo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.
Shona 2009?
Nokuti imwi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshaiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.