Isaiah 26:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova, ruʋoko rwenyu rwakasimudzwa, asi haʋaʋoni; asi ʋacaʋona kushiŋgaira kwenyu pamsoro paʋanhu, ʋakanyadziswa; ɀirokwaɀo mŋoto ucapedza ʋaʋeŋgi ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro, asi havaruoni. Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa; moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi Tenzi, muruoko rwenyu shamhu iri mudenga, asi havasi kumbozviona. Chimbovaratidzai shungu dzamuinadzo nevanhu venyu, vanyare. Nehasha dzenyu dzinopisa ririmisai vavengi venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
Shona 2009?
Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, asi ivo havaoni; asi vachaona kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu, vakanyadziswa; zvirokwazvo moto uchapedza vavengi venyu.