Isaiah 26:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakafa haʋaŋgararami ɀe, ʋaparara, haʋazomuki ɀe; saka makaȿika kwaʋari, mukaʋaparadza, nokugumisa kuraŋgarirwa kwaʋo kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzishe acho iwayo akafa haachazombovazve mapenyu, vangova mimvuri havachazombomuka, ndokusaka makavaranga nokuvaparadza mukavatsakatisa zvokusamboyeukwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.
Shona 2009?
Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kose.
Shona SUB 2002 Bible
Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukizve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.