Isaiah 26:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarira, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake kuroʋa ʋagere panyika nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo; nyika ʋo icafukura ropa rayo, ikasazofukidza ɀe ʋakaʋurawa ʋayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya achibva kunzvimbo yake kuzorangira vagari vepanyika zvitadzo zvavo. Pasi pose vanhu vachareurura kuuraya vanhu kwavakaita, zvitadzo zvavo vanenge vasisavanzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarira, Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
Shona 2009?
Nokuti tarira Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarira, Jehovha anobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurayiwa vayo.