Isaiah 26:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakakushuʋai nomŋeya waŋgu ʋusiku; ɀirokwaɀo, ndicakutȿakai ɀikuru nomŋeya waŋgu uri mukati maŋgu; nokuti kana kutoŋga kwenyu kuri panyika, ʋanhu ʋagere munyika ʋanodzidza ɀakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwoyo wangu unokushuvai pausiku; mangwanani, mweya wangu unokupangai. Kutonga kwenyu pakunouya panyika, vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndinokushuwai nousiku, mweya wangu mandiri unokutsvakisisai kwazvo nokuti kana kutonga kwenyu kwasvika panyika vagari vepasi pano vanobva vadzidza ururami.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
Shona 2009?
Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.