Isaiah 27:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mataʋi apo awoma, acavunwa; ʋakadzi ʋacaʋuya ʋaciapisa; nokuti ʋanhu aʋa haʋanenjere; saka wakaʋaita haaŋgaʋi netsitsi naʋo, wakaʋaʋumba haaŋgaʋi noruɗo naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panooma matavi acho, anovhuniwa, uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo. Nokuti vanhu ava havana njere; nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo, uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mapazi aro anooma otyoka vakadzi vanouya vozoakuhwidzisa moto. Pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vasina pfungwa, naizvozvo iye akavasika haazovanzwira tsitsi iye wacho akavaumba haambovaitira mwoyochena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
Shona 2009?
Kana matavi apo aoma, achavhumwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana matavi apo aoma, achavhunwa; vakadzi vachauya vachiapisa; nokuti vanhu ava havana njere; saka akavaita haangavi netsitsi navo, akavaumba haangavi norudo navo.